LEONARD MAPFUMO SEIKO Lyrics

CHORUS:
Seiko makandisiya ndiri ndega
Ndine ndangariro dzerudo rwamaindipa [2]

Verse 1[Leonard]
And i know kuti amai maigona,
Tichasara amaiwee ndangova nherera
Ndafugama ndanamata, kwamuri ishe munoziva
Shuwa mune rudo, mune tsitsi mune nyasha
Asi nhasi, haiwa mandigura kunorira
kundikandisa mapfumo pasi, ndiani waiziva
Kuti zvinhu zvichadai, nhasi uno tongochema
Tichibvunza samatenga, sei mavatora,
matirova neshamhu nyoro, dzangove ndangariro
Mhuri yose yoyuwira,
Amai, danga muri pano, muri vatano amai
Taizofara tiri pamwe tiri tose amai
ndinoziva tichaonana zvakare
Kusvika iro zuva zororai murugare amai

Mmmmmmmm
CHORUS [Roqui][2]

Verse 2[Leonard]
Zvisinei ndichashanda nesimba,
Sekutaura kwamaiita, ukashinga uchakunda
Kuita kenyu amai, kwaipfura kwemurume
Zuva nezuva mai mukira k__usika
Kuti tidye tichiguta
Haiwa ruri rudo, rwaive chiedza kwatiri
Nyangwe zvazvo nyika yaibaya maitipa
Chokuisa mutsoka kana kwatonhora maitipa chokupfeka
Haiwa kwaipisa maitipa zvitonhodzo
Zvakanangana nezviroto nedzongano dzehupenyu
Chigadzira ramamgwana usazo mombe yemashanga
pfugama unamate
Nokuti mwari vanoona, kana zvangu ndaitadza sei mairegerera
Amai, danga muri pano, muri vatano amai
Taizofara tiri pamwe tiri tose amai
ndinoziva tichaonana zvakare
Kusvika iro zuva zororai murugare amai

CHORUS [Roqui][4]

bridge
Seiko makandisiya ndiri ndega
Mukukura kwangu amai ohhooo
Nyama pasina munyu
Dedicated, kune imi mose makarasikirwa

Verse 3
Eyo Ndapukuta misodzi
Ndinoziva muriko k__usoro
Makatarisa rino pasi, vakuru vaiziva
Rufu ndimadzongonyedze, rinokanganisa zvose
Amai matisiya mhuri isngafungiri,
Kunyangwe zvazvo muri kure, ndinoziva muchatichengetedza
Totosunga dzisimbe kuti tione ramangwana
Chiri chiso chenyu, chichagara chiri pamoyo
Amai ndinotenda, nerudo rwamaitipa
Nyangwe zvazvo, hupenyu hwaioma kuvapo kwenyu
Kwaita kuti hwedu huve nyore
Haiwa ndairwara mairara makamira, kuti ndiwane kupona
Kana ndaichema, maivepo kunyaradza, maive sekichera rangu amai
Amai, danga muri pano, muri vatano amai
Taizofara tiri pamwe tiri tose amai
ndinoziva tichaonana zvakare
Kusvika iro zuva zororai murugare amai

CHORUS [8]

See also:

81
81.43
Derailers & Buck Owens Play Me The Waltz Of The Angels Lyrics
Los Angeles Azules-Rayito Colombiano Maldito Vicio Lyrics